Mbavha dzarura muWard 10 muguta reKwekwe


Amaveni roundabout panobuda mugwagwa Old steel works unoenda kune rimwe divi rechicago 13 Apr 24

Click here to watch video

Vagari vemuWard 10 muKwekwe voshushikana nekuwanda kuri kuita mbavha munharaunda yavo uye votyira upenyu hwavo.

Ward 10 inosanganisira musha weFitchlea ,Glenwood ,Hillandle ne Chicago.

Nyaya dzekupazirwa nekubirwa midziyo koita vagari venzvimbo iyi vashaye hope.

Vamwe vevakawirwa nedambudziko iri vanoti mbavha idzi dziri kufamba dziri muzvipoka zvinodarika vanhu vashanu.

‘‘ pavakasvika pamusha uno dzakange dziri kuma 9 usiku,mwanakomana wepano ndiye akapukunyuka nepahwindo akamhanya kunozivisa vavakidzani vari pedyo’’

‘‘pavanosvika vanenge vachida mari ,nharembozha nezvimwe zvakakosha zvavanokwanisa kutakura’’

‘‘ vanofamba vakashonga nema tochi ,simbi dzavanoshandisa kugwaura mikova yedzimba uye nemabhemba’’

‘‘paboka rakadarika nepano paitaridza kuti 4 vavo vanga vari mazera echidiki nemukuru mumwe chete’’

‘‘ vakashandisa zvinzira zvemusango zvinoenda nekudivi rekuAmaveni vachibva kuno ku 007.’’ akadaro mumwe mugari weku Hillandale asina kuzivikanwa zita rake.

Mugwagwa weOld Steelworks road ravewo riva chairo kufamba nawo zvikuru zuva rodoka.

Mwedzi wapera panonzi pane munhurume ayigarira vanhu paharadzano inosangana mugwagwa weOld Steeloworks Road neweHillandle Road.

Zviri kufungidzirwawo zvakare kuti mamwe makororo ari kugara muzvikomo zviri munharaunda iyi izvo zvakapfuvhudzira nemiti nezvikwenzi.

Amai Sithole mugari wemuFitchlea vanotiwo musi wa11Kubvumbi vakamuka chirugwi chehuku yangove minhenga chete.Huku pfumbamwe dzakabiwa.

Mumwewo mugari wemuFitchlea akati kunyange hazvo mabasa ekuba achienderera mberi ,asi imbwa dziri munzvimbo iyi dziri kuita basa guru chose.

‘‘musi wabiwa huku pedyo nepamba pedu ,imbwa hadzina kuzorora kuhukura.Ini ndakabva ndaziva kuti pane chiri kuitika chete’’

Vagari ava vokumbira mapurisa kuti avabatsire nekupota vachifamba munzvimbo iyi.